Paul C. Jong Kukura paMweya Series 3--Tsamba Yekutanga yaJohane (I)

ebook

By Paul C. Jong

cover image of Paul C. Jong Kukura paMweya Series 3--Tsamba Yekutanga yaJohane (I)

Sign up to save your library

With an OverDrive account, you can save your favorite libraries for at-a-glance information about availability. Find out more about OverDrive accounts.

   Not today
Libby_app_icon.svg

Find this title in Libby, the library reading app by OverDrive.

app-store-button-en.svg play-store-badge-en.svg
LibbyDevices.png

Search for a digital library with this title

Title found at these libraries:

Loading...

Kana uri muKristu wechokwadi, unofanira kuziva rudo rwaMwari zvakanyanya kudarika zvekungorava bedzi. Avo vanoziva uye nekudavira kuna Jesu seMuponesi wavo vanofanira kuziva rudo rwaMwari zvakasimba mukuregererwa kwavo kwezvivi uko kwakazadziswa kuburikidza neShoko reevhangeri yemvura noMweya. Tinofanira kuva vatendi vechokwadi veevhangeri ino kuti tigoziva rudo rwaMwari zvakadzama. Muevhangeri ino yechokwadi, rudo rwaMwari rwunozviratidza zvakasimba uye muhudzamu. Kana tichida kuziva Mwari serudo, ruzivo rwedu rwunofanira kubva kurudo rwaMwari rwakasimba kwatiri, urwo rwunoratidzwa muZvokwadi yeevhangeri yemvura noMweya. Ndipo bedzi patinogona kutungamirira vamwe kurudo rwaMwari rwechokwadi.
Mupostori Johane anopupura kuti Jesu Kristu, uyo akauya nemvura, neropa uye noMweya Mutsvene, ndiye Muponesi uye Mwari pachake. Donzvo reuchapupu hwake ndiro Zvokwadi yekuregererwa kwezvivi, inova yemvura, neropa uye noMweya.
Sezvazvakanyorwa muShoko raMwari, mvura inomirira bhapatidzo yaJesu iyo yaakagamuchira kubva kuna Johane Mubhapatidzi uye ropa rinomirira kutongwa kwaakagamuchira nekuda kwedu tese. Zvakare, huchapupu hweruponeso rwedu hunowanikwa muMweya Mutsvene, nemvura uye neropa (1 Johane 5:8). Hushumiri hwemvura, neropa uye noMweya Mutsvene ndehwaMwari, uhwo hwaakadzikinura nahwo vatadzi pazvivi zvavo.

Paul C. Jong Kukura paMweya Series 3--Tsamba Yekutanga yaJohane (I)